Friday, October 16

Ngozi Yopedza Dzinza 15 Vofa Munguva Pfupi

NGOZI inonzi iri kubhebha mune imwe mhuri yekwaMambo Zimunya, kwaMutare, uko yauraya vanhu vanodarika 15 mumakore gumi adarika — 4 vavo vakafa mumwedzi waNyamavhuvhu uno bedzi.

Nyakupara ngozi iyi anonzi akasvika pakufa asina kutaurira hama dzake mhosva yaakapara iyi.

Zvinonzi baba vaSimion Muchabveyo — avo vasina kudurwa zita ravo — vakasvika pakufa vasina kudurira mhuri yavo mhosva yavakapara iyi zvikakonzera kuti ngozi ipfuke mumhuri yekwaMuchabveyo nekwaKapfuka.

Kunyangwe zvazvo mushakabvu uyu asina kudura nyaya iyi kuhama dzake, gure rakazobuda apo ngozi yakamuka chibhebhenenga ichiuraya vanhu vemhuri iyi.

Nyaya iyi yakazobuda pachena svondo rapera mudare reMutare Civil Court ako Simion ari kukumbira gwaro redziviriro kubva kumukoma wake Samuel Kapfuka nevana vake — Lewis, Simbarashe naFrancis.

Ari kuvapomera mhosva yekumushungurudza vachiti vanoda kuziva nyaya yemurume akapondwa nababa vake uyo ave kumuka ngozi.

Dare rinoziviswa kuti ngozi iyi yakatouraya vanhu 15 vemhuri yekwaMuchabveyo nevekwaKapfuka, kusanganisira vana vaSimion vose.
Mwedzi wadarika, vanhu vana vemhuri yaKapfuka vanonzi vakafa zvisina tsarukano apo mumwe wacho akabva atanga kurasika njere.

Simion anoudza dare kuti haana ruzivo pamusoro pengozi inonzi yakaparwa nababa vake.
“Baba vangu vakauraya munhu uye takatozoziva nezverufu rwake mushure mekunge taenda kunobvunzira kun’anga nemaporofita. Ngozi iyi yakauraya vana vangu vose, saka ndiri kudawo rubatsiro kubva kune mukoma wangu uyo ari kundipomera mhosva yandisina kupara.

“Vanoda kuti ndivataurire zita remunhu akapondwa nababa vangu asi ini ndakanga ndisipo pazvakaitika saka ndingaziva sei munhu wacho?” anodaro Simion.

Zvisinei, Samuel akaunza mwana wake anorasika njere kudare sehuchapupu uye anoti haazi kufara nemaitirwo ari kuitwa nemunin’ia wake panyaya iyi.

Anoti ngozi iyi iri kumushungurudza zvikuru nekumuuraira vana vake.
“Anofanira kutiudza zita remunhu akapondwa nekwaanobva kuitira kuti tibatane nemhuri yacho tiripe ngozi iyi. Hatisi kumupomera mhosva yekuuraya munhu asi kuti iye Muchabveyo aiwirirana zvikuru nababa saka tinovimba vakadura kwaari zvavakaita vasati vafa,” anodaro Samuel.

Anoti baba vaSimion pavakange vachiri vapenyu, vanonzwa kuti vakatora mari yesimbi —$0,10c — ndokuisa kana kuti kutandira mweya wengozi iyi pamari iyi vakabva “vauperekedza” kumusha kwemunhu anonzi akapondwa uyu.

“Ndiyo nzvimbo yatinoda kuti atiudze kuti ndekupi kumusha kwacho,” anodaro Samuel.

Mutongi Muchineripi akapa Simion gwaro rerunyararo.

Nyaya iyi inotarisirwa kunzwikwa zvakare mudare raMambo Zimunya nemusi wa27 Gunyana.

  • Share:

Info News

Compounded GLP-1 Weight Loss Clinics

Compounded medications have become increasingly popular because they can cost far less than brand-name prescriptions.

Compounded semaglutide and tirzepatide programs often include:

  • Personalized dosing
  • Virtual medical visits
  • Nutrition guidance
  • Ongoing monitoring

These programs are especially attractive for self-employed individuals and people with high-deductible insurance plans.

However, users should always verify that clinics use licensed pharmacies and qualified medical professionals.

 

Mesothelioma & Asbestos Exposure Law: Legal Help for Victims

Mesothelioma and asbestos exposure cases require specialized legal expertise due to the complexity of proving liability and long-term health impact. Victims diagnosed with Mesothelioma often face overwhelming medical costs, making it critical to understand their legal rights. A qualified asbestos attorney can help identify responsible companies and pursue compensation for medical bills, lost income, and pain and suffering.

Top law firms in this niche focus on building strong cases using medical evidence and occupational history. Because settlements can reach significant amounts, this niche remains one of the highest CPC areas in legal advertising. Creating content around legal options, timelines, and compensation strategies can attract high-intent search traffic.